Hurumende inonyoresa mimwe mishonga yenhomba yakagadzirwa kuRussia, India neChina kuitira kuti ishandiswe mukubayiwa kwevanhu nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.
Vanhu mazana maviri nemakumi mana nevatatu chete vakabayiwa nhomba yeCovid-19 nezuro.
Nhengo yeMDC Alliance, Muzvare Netsai Marova, vabvisiswa mari yechibatiso inoita zviuru gumi nezvishanu zvemadhora emaRTGS kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.
Mapurisa anopfura pamwe nekusunga vanhu vakati wandeyi mushure mekunge nhengo dzeMthwakazi Republican Party dzaratidzira panze peBulawayo Police Central nhasi mangwanani.
United Nations inobatsira South Africa nemari yekuti iongorore magwaro evanhu vakanyorera hupoteri munyika iyi ayo awandisa asati apedzwa kuongororwa.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvoonekana nemusi weChishanu nemutumbi wemufundisi wekereke yeUnited Methodist Church, Mufundisi Isaac Mapipi Mawokomatanda, avo vakashaya nemusi wa 27 Kukadzi kuAtlanta mudunhu reGeorgia.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19..
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum