Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 10, 2021


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa pachiuru nemazana matatu nemakumi mashanu nevatatu, kana kuti 1,353.

Zimbabwe yotanga kugashira mishonga yenhomba yekudzivirira denda reCovid-19 kubva kuChina nemusi weMuvhuro unouya dzimwe nyanzvi dzezvehutano dzichiti nhomba idzi dzinofanira kutanga dzaongororwa dzisati dzapihwa vanhu munyika.

Vanorarama nekutengesa zvinhu vochema chema zvikuru munguva ino yekuvharwa kwenyika vachiti havana kana rubatsiro rwavari kuwana kubva kuhurumende.

Muchikamu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa nezvebato idzva rezvematongerwo enyika, rePatriotic Zimbabweans, iro rakaumbwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamwe nezviri munyika, nechinangwa chekurwira kodzero dzevari kunze dzinosanganisira kuvhota musarudzo vari kunyika dzavagere.

Kutongwa zviri pamutemo pevaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, kunotanga zviri pamutemo zvichitevera chiungu chedare reSenate chekuti zviri kuitwa izvi zvinotsigirwa nebumbiro remitemo yenyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvingasvika mazana matatu zviri muhupoteri pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana zvinoti zviri kutsvaga rubatsiro kubva kusangano reHuman Rights Watch zvichitevera kuziviswa kwazvakaitwa kuti zvichamanikidzwa kudzokera kumusha kana zvakasanyoresa neUnited Nations High Commissioner for Refugees

Vateveri vemutambo wenhabvu vononokerwa nekudzoka kwemitambo munyika zvekuti vave kutevera nhabvu yekune dzimwe nyika muAfrica uko kuri kutamba vatambi vemuno

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe panguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG