Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 10, 2018.
Munhu mumwe chete anopfurwa achibva afa mumhirizhonga yaitika mukati meguta reHarare, nyakupfura wacho ndokurohwa zvakaipisisa pamwe nekupisirwa motokari yake. Nyakupfura uyu anonzi ari muchipatara uko akachengetedzwa nemapurisa.
Chirongwa cheMine Entra chinotanga muguta reBulawayo vanhukadzi vachikurudzirwa kuita mabasa ezvicherwa
Vari kunze kwenyika votakura mutoro wekuona kuti hama neshamwari dzawana kurarama kwakanaka kumusha sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari munyika yose.
Nhengo dzeparamende dzonwa mushonga wekudzivirira chirwere chekorera senzira yekukurudzira veruzhinji kuti vanwe mushonga uyu, uyo uri kupihwa pachena.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika takatarisa matambudziko akatarisana nevanhu kumusha uko kwanetsa nenyaya yekushaikwa kwemari, kukwira kwemitengo yezvinhu, pamwe nekushaikwa kwezvinhu muzvitoro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum