Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 3, 2018.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 3, 2018.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti MDC Alliance ndiyo inofanirwa kuumba hurumende nekuti ndiyo yakakunda musarudzo dzakaitwa neMuvhuro. Vatiwo vakakunda mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika, nokudaro havasi kutambira zvakataurwa neZimbabwe Electoral Commission zvekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda.

Mapurisa anomboedza kurambidza musangano waVaChamisa kuti uitwe, izvo zvazoita kuti mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vapindire vachiudza mapurisa kuti asiye VaChamisa vachiita musangano wavo.

Zvinhu zvinogadzikana muHarare, zvitoro zvichivhurwa, mushure mekumbovharwa zvichitevera mhirizhonga yakaitika neChipiri apo vanopikisa vakapinda mumigwagwa vachiratidzira kusafara kwavo nemaitiro eZimbabwe Electoral Commission. Mhirizhonga iyi yakasiya vanhu vatanhatu vafa mushure mekupfurwa nemauto.

Mumwe wevanhu vakapfurwa vakafa, Amai Slyvia Matambo Maphosa, vanochema nehama neshamwari dzavo, idzo dzaungana kumba kwavo kuWaterfalls muHarare.

Sangano reZimbabwe Council of Churches ropa veruzhinji zvarakaona zvakaitika musarudzo dzakaitwa neMuvhuro

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvakabuda musarudzo dzakonzera mutauro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG