Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 06, 2020 


Vanhu gumi nevanomwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika pamazviuru zvisere neamazana mana ane makumi mana nevana, kana kuti 8,444

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, anosvika padare redzimhosva akaiswa cheni dzemumakumbo achibva kuChikurubi Maximum Prison izvo zvisina kufadza magweta ake. Chin’ono achapedza weekend ari kuChikurubi nyaya yake kusvika nyaya yake yanzwikwa nemusi weMuvhuro.

Magweta ari kumirira Muzvare Henrietta Rushwaya nevamwe vavo vana, anoenderera mberi nekubvunzurudza mupurisa ari kuferefeta nyaya yekuda kuburitsa goridhe munyika zviri kunze kwemutemo.

Sarudzo dzemuAmerica dzichiri kuverengwa mumiriri weDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika iyi, VaJoe Biden, vachitungamira muzvigaro zve electoral college zvavawana kusvika pari zvino zvichienzaniswa nezvigaro zvawanikwa nemumiriri weRepublic Party, uye vari mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodoma chikwata chevanhu vatatu che tribunal chichatonga nyaya iri kupomerwa mutongi wedare repamusoro, Amai Erica Ndewere.

Chikwata cheZimbabwe chemaChevrons chiri kuda kuwedzera mapoinzi acho emunzira yekuenda ku2023 World Cup apo chiri kupinda munhandare mangwana

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzesarudzo muAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG