Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 16, 2020


Misoro yeNhau

Zimbabwe inobatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekuwaniswa kwechikafu pasi rose reWorld Food Day, veruzhinji munyika vachichema kuti havana zvekudya zvinokwanira mhuri dzavo.

Madzimai emu Ward 19, kuZaka, mudunhu reMasvingo, vochemachema kuti chirongwa chehurumende chekurima chePfumvudza chiri kutarisa kuti munhu anobva kubato rezvematongerwe enyika ripi, achiti vazhinji vavo vari kunyimwa nekuti vanotsigira mapato anopikisa

Mutungamiri weAmerica vari ivo vari kumirira bato reRepublican musarudzo, VaDonald Trump, nevari kumirira Democratic Party, VaJoe Biden, vanoita misangano vachipindura mibvunzo yeveruzhinji mukutsvaga kwavo rutsigiro pamberi pesarudzo dzichaitwa musi wa 03 Mbudzi.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusorosoro, reZimbabwe National Students Union (ZINASU), Takudzwa Ngadziore, uyo ari kupomerwa mhosva yekukurudzira veruzhinji kuita mhirizhonga, aburitswa mutirongo nhasi mushure mekubhadhara zviuru zvishanu zvemadhora emuZimbabwe semari yechibatiso.

Munhau dzemitambo, mubati wepagedhe akaita mukurumbira munyika, Japhet Mparutsa anoti Zimbabwe inofanira kudzora nhabvu yevechidiki kana ichida kukwezva vatsigiri kudzinhandare avo vasisaende kumitambo muhuhwandu hwavo hwekare.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG