Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 30, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu makumi maviri nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru zvisere nemazana matatu nemakumi mana nevapfumbamwe, kana kuti 8.349.

Mapurisa nevasori vanomiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa mhosva ine chekuita naMuzvare Henrietta Rushwaya yekuedza kuburitsa goridhe zviri kunze kwemitemo.

Hurumende inokumbira dare kuti mumiriri weHarare West mudare reNational Assembly, Muzvare Joana Mamombe, vaonekwe nachiremba wechitatu.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nemadzishe ekuMatabeleland uko vanonzi vazeya nyaya yeGukurahundi

Vadzidzi vemuzvikoro zvepasi vanoratidzira pamuzinda webazi redzidzo vachikurudzira kuti hurumende idzore varairidzi muzvikoro pamwe nekuti bvunzo dzekupera kwegore dziendeswe mberi sezvo pasina kudzidza kuri kuitwa muzvikoro.

Studio7 inotarisa zviri kuitika musarudzo dzekuAmerica

Vashandi vehurumende vari pasi peApex Council vanomutsiridza nhaurirano dzemihoro nehurumende pasi peNational Joint Negotiating Council.

Zimbabwe yokweshana nePakistan mumutambo wekiriketi

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzehuori pamwe nesarudzo dziri kuitika muAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG