Zimbabwe yave nevanhu mazana matatu nevapfumbamwe, kana kuti 309 vafa nechirwere cheCovid-19 kubva pavanhu zviuru gumi nechimwe nemazana matatu nemakumi mashanu nevasere vabatwa nechirwere ichi munyika yose.
Dare redzimhosva rinopa mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, pasipoti yake kuitira kuti akwanise kushanya kuSouth Africa kwemazuva makumi makumi maviri nerimwe uko achange achirapwa.
Dare redzhimhosva rinotara zvakare mutongo wekuti Amai Beatrice Mtetwa, varambe vachimirira mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, uye rinobvisa mutongi wenyaya iyi, VaNgoni Nduna, kuti vasave nechikuita nenyaya iri kupomerwa Chin’ono.
Vemabhizimisi vari kukurudzira gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, kuti vasamanikidze bhanga guru renyika kudhindha mari sezvo zviri pachena kuti bhajeti yavakatura inhava izere mhepo sezvo pasina mari yacho.
Dare redzimhosva repamosoro rinorasa kudzingwa kwaVaAbednico Bhebhe mubato iri richiti zvakaitwa izvi hazvisi pamutemo. Mutongo uyu uoitwa pamberi pesarudzo yechimbi chimbi ye extra ordinary congress yekutsiva muchakabva Morgan Tsvangirai.
Bazi rezvehutano rinoti kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nezvirwere zvepabonde hwadzikira nezvikamu makumi matanhatu nezvina kubva muzana, zvirwere izvi zvichiri kunetsa munyika mumatunhu akawanda.
Vagari vekwaMupandawana kwaGutu vogara vakatyirwa zvirwere zvichitevera kushaikwa kwemvura munzvimbo yavo kwemasvondo matatu.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki mukurwisa nyaya dzechirwere che Covid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum