Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita, 01, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika yose hunodarika zviuru gumi kana kuti 10 000, panguva iyo vanhu vafa nechirwere ichi vasvika pamazana maviri nemakumi manomwe nevanomwe kana kuti 277.

Zimbabwe yobata nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekurwisa denda reHIV/AIDS, kana kuti World Aids Day.

World AIDS Day - Harare
World AIDS Day - Harare

Vamwe varimi vochema chema nekunonoka kupihwa zvikwanisiro zvekurimisa kunyagwe mvura yaturuka.

Miganhu yakawanda yenyika yovhurwa kutanga nhasi vanhu vachibvumidzwa kufamba.

Vachangosarudzwa kutungamira America VaJoe Biden voenderera mberi nekuumba chikwata chavo vakatarisira kugadzwa zviri pamutemo musi wa20 Ndira.

Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na8pm tiri kutarisa Zuva reWorld Aids Day, zviri kuitika munyika munyaya dzeCovid-19, uye mazuva umi nematanhatu ekudzivirira mhirizhonga mudzimba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG