Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 09, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaElias Mudzuri vari kuramba mashoko ekuti VaMorgan Tsvangirai vari kuda kusiya basa vachiti ndivo vachatungamira musarudzo dzegore rino.

Zvikoro zvovhurwa nhasi vabereki vachichema chema nekushaya mari.

Nhengo dzeNational Peace and Reconciliation Commission nemasangano anorwira kodzero dzevanhu votambira nemufaro mutemo mutsva unechekuita nerunyararo weNational Peace and Reconciliation Act uyo wakadzikwa zviri pamutemo musi weChishanu nehurumende.

Munhau dzemitambo, Chikwata chenhabvu cheBlack Rhinos chosarudza murairidzi mutsva.

Muchirongwa cheLiveTalk-The Youth Connection na8pm tiri kutarisa nyaya yekuvhurwa kwezvikoro nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzedzidzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG