Zimbabwe inotambira nhomba yeCovid-19 dzinosvika zviuru mazana matatu nemakumi mana nezvina, 344 000, nhomba mazana maviri ezviuru, 200 000 dziri dzerubatsiro rwapihwa nyika neChina, asi Zimbabwe ichibhadhara nhomba zviuru zana nemakumi mana nezvina, 144 000. Mushonga uyu wasvika panguva iyo Zimbabwe yakwanisa kubaya nhomba vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezvinomwe nemazana matanhatu nemakumi matanhatu, 37 660 chete, uye chirwere cheCovid-19 chauraya vanhu chiuru nemazana mashanu nevana, 1 504.
Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, rinopa hurumende svondo rimwe chete rekuti igadzirise zvichemo zvevarairidzi, kukundikana kwayo nhengo dzaro pamwe nevabereki vanozopinda mumigwagwa vachiratidzira nyika yose.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanowedzera negore kurambidzwa kwemakambani e Old Mutual nePretoria Portland Cement kushandisa musika weZimbabwe Stock Exchange sezvo makambani aya ari kupomerwa mhosva yekukonzera kusagadzikana kwehupfumi nekubuditsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.
Paramende inoratidza kusafara kwayo nekusarongeka zvakanaka kwekambani yeTobacco Industries Marketing Board panguva iyo kwasara masvondo matatu ekuti varimi vange vachitengesa pamwe nekubhadharwa fodya yavo.
Zvizvarwa zveZimbabwe makumi mana nezvishanu zvanga zviri muhupoteri muBotswana, zvadzodzoserwa kumusha nhasi pasi pehurongwa hwekudzosera kuZimbabwe vanhu zana nemakumi mashanu vachiri paDukwi Refugee Camp vakabvuma vega kodzeserwa kumusha.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munguva iyo Zimbabwe iri kurwisa chirwere cheCovid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum