Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 17, 2018


Misoro yeNhau

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti SADC inofanirwa kupindira pagakava riripo muZimbabwe pakati peZimbabwe Electoral Commission nemapato anopikisa pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa sarudzo neZEC.

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoita musangano wekutsvaga rutsigiro kuChinhoyi vachiudza vatsigiri vavo kuti vakarwisa zvikuru kuti mari yakanga yaburitswa munyika idzoswe munyika nevanhu vakanga vaita izvi.

Zanu PF inoti yapedza kukambena kuMasvingo zvokuti yangomirira kurakasha mapato anopikisa, zvikuru MDC Alliance musi wa 30 Chikunguru.

Vaimbove mutungamiri weUSA, VaBarack Obama, votaura pamusoro penhoroondo yevaimbove mutungamiri weSouth Africa, muchakabvu Nelson Mandela.

Veruzhinji votaura pamusoro pezvinhu zvavanoda kuti zvigadziriswe nehurumende itsva ichasarudzwa kuitira kuti hupenyu hwavo huve nani.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki musarudzo pamwe nemhirizhonga yezvematongerwo enyika yavari kusangana nayo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG