Accessibility links

Breaking News

MIsoro YeNhau DzaNhasi Chipiri 15 Ndira 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 15, 2019.

Hurumende inovhara masaisai epamadandemutande kuitira kuti vanhu vatadze kutumira pama WhatsApp mavhidhiyo nemapikicha ezviri kuitika muzuva repiri rekuratidzira kwakadaidzirwa nesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions richitsigirwa nemamwe masangano akazvimirira.

Vanhu vakawanda vanonzi vafa mushure mekupfurwa nemauto ayo ari mumisha inogara veruzhinji achirova pamwe nekupfura vanhu mumisha iyi.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights romhanya mhanya richibatsira vanhu vari kukuvara mumhirizhonga iri kuitika munyika.

Sangano reZimbabwe Council of Churches rokurudzira mauto kuti asapfure vanhu uye kuti hurumende igadzirise nyaya yemhirizhonga iri kuitika munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe iri kurasikirwa nemari yakawanda zvikuru kuburikidza nemhirizhonga iri kuitika, pamwe nekuparadzwa kuri kuitwa mabhizinesi

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevechidiki munguva yemhirizhonga iri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG