Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 03, 2019.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 03, 2019.Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vari kutora matanho makukutu panyaya yavana chiremba vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 03, 2019.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vari kutora matanho makukutu panyaya yavana chiremba vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa, vana chiremba vachiti hurumende haasi kuzvipira pakugadzirisa dambudziko rakatarisana nezvipatara zvehurumende

Nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo dzozeya kwadzinoti kupingirishwa kwemitemo zvichitevera kudzoka kuzororo kwaVaMnangagwa vachiita basa semutungamiri wenyika, panguva iyo VaConstantino Chiwenga vachiendererawo mberi vachiita basa ravo semunhu akabata chigaro chemutungamiri wenyika.

Vanhu vakawanda munyika votaura pamusoro pedanho rekambani yeDelta rekuda kutengesa zvigadzirwa zvayo nemadhora ekuAmerica

Zvizvarwa zvekuChina zvinomwe zvinomiswa pamberi pedare mushure mekuwanikwa zviine nyanga dzizvipembere.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika, uye mabatiro azviri kuita vanhukadzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG