Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 28, 2021 


Misoro yeNhau

Hurumende yakazivisa nezuro manheru kuti vanhu gumi nevapfumbamwe, kana kuti 19, vakafa neCovid-19 nezuro, izvo zvakasvika huwandu hwevanhu vafa pachiuru nezana nemakumi maviri nevaviri, kana kuti 1,122.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanotaura kunyika pamusoro pedambudziko reCovid-19 ravhiringa nyika nepasi rose

Hurumende inobvumidza kuti mushonga weIvermectin uunzwe munyika kuitira kuti uongororwe panguva iyo South Africa yabvumidza kushandiswa kwemushonga uyu pakurapwa kwechirwere cheCovid-19

Hurumende inosimbaradza hurongwa hwayo hwelockdown

Mumwe mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, Allan Moyo, acharamba ari mujeri mushure mekunge dare repamusoro rarasa chikumbiro chake chekuti atongwe achibva kumba panyaya yaari kupomerwa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG