Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 4, 2021 


Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro icho chakabatawo vanhu makumi mana nevana kusanganisira vana vechikoro makumi maviri nevaviri kuMasvingo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vodzoka kumusha kubva kuScotland kumusangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze.

Tichakupaiwo hurukuro nevagari vekuLupane nekurarama kwavari kuita kunyangwe mamiriro ekunze ari kushanduka.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba voramba mashoko ekuti ndivo vari kuramba kuti sarudzo dziitwe vachiti pane mutemo weCovid-19 wakadzikwa kumisa sarudzo kwenguva isina kutarwa.

Asi sangano rinoona nezvesarudzo reZESN rinoti hapana chiri kutadzisa ZEC kuita sarudzo sezvo south Africa neZambia dzaratidza kuti sarudzo dzinokwanisa kuitwa pasina dambudziko munguva yeCovid-19.

Mutongi wedare ramejasitiriti maMutare VaLangton Mukwengi nhasi vabhadharisa mari yechibatiso inosvika madhora zviuru zvitatu zvemari yemuno kuvasungwa makumi maviri nevasere avo vakasungwa nemusi weChipiri apo vairatidzira pakambani yemangoda yeAnjin vachinyunyuta nekusabata vagari ava zvakanaka

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzotarisa zvakatora nzvimbo kumusangano weCOP26 panguva iyo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzoka nhasi munyika. Hurumende yeZimbabwe yakashandisa mukana wemusangano uyu kukurudzira kuti zvirango zvainoti zvakatemerwa nyika zvibviswe, uye kugadzirisa hukama hwayo nenyika dzekumawirira.

Muchirongwa cheWomens Round Table na8pm tiri kutarisa matambudziko ari kutarisana nemadzimai munyaya yechirwere cheCovid-19 uye kushanduka kwemamiriro ekunze.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG