Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 26, 2020 


Misoro yeNhau

Vanhu zana negumi vobatwa nechirwere cheCovid-19 munyika nezuro icho chiri kubata vanhu vari pakati pemakore makumi maviri nemakumi mana kunyanya.

Vanhu vakawanda mdhorobha reMasvingo vakaparadzirwa dzimba uye midziyo yavo nezuro manheru nemafashamu emvura akabatana nemhepo yaivhuvhuta zvine simba

Vanoongorora zvematongerwo enyika vozeya nezvekusungwa kwemameya pamwe nemakanzura ebato reMDC Alliance vachipomerwa mhosva dzekuita zvehuwori, asi MDC Alliance ichiti nhengo dzayo dziri kungoshungurudzwa nehurumende nechinagwa chekuda kuparadza bato rinopikisa iri.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nevakasarudzwa kutungamira nyika iyi kutanga gore rinouya VaJoe Biden vocherechedza zororo rakakosha munyika mavo reThanksgiving asi vanhu vakatarisana nenzara uye kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa chinotarisa zvinosangana nemadzimai muhupenyu hwavo cheLivetalk Womens RoundTable na8pm, tiri kutarisa mazuva gumi nematanhatu ekukurudzira vanhu kuti vasaite mhirizhonga mudzimba kana kuti 16 Days of Activism Gender-Based Violence, zviri kuitika munyika munyaya dzeCovid-19 uye tichatarisawo zviri kuitika muAmerica pakutambidzana masimba mushure mekupera kwesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG