Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 12, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu makumi mashanu nevanomwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, vanhu makumi matatu nevatatu vari vanhu vagara vari munyika, uye makumi maviri nevana vachinzi vakadzoka kubva kubva kuSouth Africa.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, anonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso dare richiti anogona kuramba achityora mitemo yenyika.

Vakoti vanoramba mashoko ekuti vakatambira zvikamu makumi mana kubva muzana zvemari dzemihoro zvakavimbiswa nehurumende, izvo zviri kurambwa nevamwe vashandi vehurumende vachiti zvishoma.

Sarudzo dzemuAmerica dzakaitwa musi wa 3 Mbudzi dziri kuramba dzichikonzera mutauro wakanyanya pasi rose vamwe vachiti munongedzo wejekerere asi vamwe vachiti kusatambirwa kwadzo nemutungamiri wenyika, VaDonald Trump, kunosiya pasina zvakawanda zvekudzidza kubva madziri.

South Africa inovhua miganhu yayo kuitira kuti vanhu vakwanise kubuda kana kupinda munyika iyi mushure mekumbovharwa pachityirwa kupararira kweCovid-19

Chikwata cheZimbabwe chemaWarriors chiri kupinda munhandare manheru anhasi chakanangana nekukunda kana kuita mangange kuti chiswedere pedyo nekubudirira kuenda kumafainari eAfcon a2022.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika musarudzo dzemuAmerica umo mune mudzimai achange ari mutevedzeri wemutungamiri wenyika kekutanga mumakore mazana maviri nemakumi mana nemana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG