Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 11, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu gumi nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa pachiuru nemazana matatu nemakumi matanhatu nevana, kana kuti 1,364.

Mutungamiri webato National Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti hurumende haifaniri kuramba yakavhara nyika nekuda kweCovid-19 vachiti inofanira kuchitsvaga dzimwe nzira dzekurwisana nedenda iri.

Mumiriri weNorton muNational Assembly, VaTemba Mliswa, vasungwa kumba kwavo nhasi mangwanani vari pakati pemusangano nevatori venhau vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wekudzivirira kuparira kweCovid-19.

Bato reMDC T rokurudzirawo kuti munyika muite nhaurirano ukuwo
sangano remubatanidzwa wemachechi reZimbabwe Christian Council richiti zvakakosha kuti munyika muitwe nhaurirano senzira yekugadzirisa
matambudziko akasiyana siyana ari munyika.

Bepanhau repadandemutande re Maverick Citizen rinoburitsa huori hunonzi huri kuitwa nevakuru vakuru muhurumende yeZimbabwe.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvri kuitwa nevanhukadzi panguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG