Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 29, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vashanu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru zvisere nemazana matatu nemakumi maviri, kana kuti 8,320.

Hurumende inosunga mapurisa nevasori vanofungidzirwa kuti vane chekuita nenyaya yegoridge raida kubudwa naro kunze kwenyika nenhengo yeZanu PF, uye vari muzvinabhizinesi, Muzvare Henrietta Rushwaya. Vasungwa ava vari kutarisirwa kumiswa mumatare nhasi.

Chirongwa cheHarare Agricultural show chegore rino chovhurwa muHarare zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vechidiki vobatsirwa zvikuru munyaya dzehutano nechirongwa cheMobile Clinics.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu dzoshushikana zvikuru nekuvandudzwa kwemitemo yenyika inobata kodzero dzevanhu dzichiti hurumunde iri kuita izvi senzira yekuomesera vanhu vanobuda pachena vachiramba hutongi hwehudzvanyiriri.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu hwavo munguva ino apo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika nepasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG