Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 15, 2020 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Munhu mumwe chete akashaya nezuro nechirwere cheCovid-19 izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana maviri nemakumi matatu nemumwe chete.

Chipatara chikuru chemuChegutu chinovharwa mushure mekunge vashandi vaviri vepachipatara ichi vafa nechirwere cheCovid-19.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti kusunga nekuchengetedza vanhu vasinganzwe kana kutaura kunotyora kodzero dzavo pasi pebumbiro remitemo yenyika izvo zvakatambirwa nemutongo wedare repamusoro mwedzi uno.

Gakava rekumbomisa kuitwa kwesarudzo munyika rotsviriridza panguva iyo Zanu PF iri kuita hurongwa hwayo hwesarudzo dzematunhu asi uku hurumende ichirambidza kuitwa kwesarudzo dzekutsiva vanhu vakadzingwa muparamende kana vakafa.

Sangano reElection Resource Center ronyunyuta nekuderera kwakanyanya kwehuwandu hwevanhu vakanyoresa kuvhota gore rapera.

Vanotengesa mumigwagwa vochema chema nekudzingwa kwavari kuitwa mumigwagwa kuMasvingo mapurisa achinzi ari kuti vabve mumigwagwa sezvo mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vachange vari kuMasvingo..

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zvipingaidzo zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo apo pasi rose riri kurangarira zuva revanhukadzi vari kumaruwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG