Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 24, 2019.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Ndira 24, 2019.

Vanhu vakawanda, kusanganisira muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, nhengo yeZanu PF, Va Simba Mudarikwa pamwe nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoungana kuNorton vachichema Oliver Mtukudzi, uyo akashaya nezuro mushure mekurwara nechirwere cheshuga kwenguva yakareba.

Vanhukadzi vakawanda vanoti vakabatwa chibharo munguva yemhirizhonga yakaitika svondo rapera.

Vanhu vakawanda muBulawayo vanoti vari kushungurudzwa nemapurisa nemasoja, vemakombi vachitiwo vari kugara vakambunyikidzwa nemasoja muguta iri.

Dare redzimhosva rinoti vanhu vekwaChiadzwa vanodarika mazana masere vanofanirwa kuripwa nekambani yemangoda iri pasi pehurumende yeZimbabwe Consolidated Diamond Company

Studio7 inotarisa zvakadzama kusungwa pamwe nekutyorwa kwekodzero dzavanhu mushure memhirizhonga yakaitika munyika

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi takatarisa matambudziko akatarisana nenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG