Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 21, 2018.


Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 21, 2018.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Dare reConstitutional Court rinonzwa zvechimbi chimbi chikumbiro cheMISA Zimbabwe chekuti vatori venhau vabvumidzwe kushandisa nharembozha dzavo kuitira kuti vatepfenyure zvinenge zvichiitwa mudare reConCourt mangwana pa Facebook nepaTwitter. Misa Zimbabwe inoda kuti veruzhinji vakwanisewo kuziva mafambiro anenge achiita nyaya yakakwidzwa mudare iri nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachipikisa kudomwa kwemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vakarwa muhondo yechimurenga vanoita musangano vachishoropodza America nekutemera zvirango kwayakaita vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZanu PF, pamwe nekushoropodzawo vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe naVaNelson Chamisa.

Sangano reNational Election Reform Agenda, kana kuti NERA, rinoti rakazvipira kupinda mumigwagwa richidzivirira kuvhota kwakaita veruzhinji, uye harisi kuzovhundutsirwa nekuurayiwa kwakaitwa vanhu nemasoja musi wa Nyamavhuvhu 1, apo vairatidzira muHarare.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti zvesarudzo zvakapera uye VaMnangagwa vacharamba vari mutungamiri wenyika mushure mekunzwikwa kwenyaya iri mudare reConCourt.

Kusagadzikana kuri munyika kwoita kuti zvinhu zviome munyaya dzehupfumi.

Vateveri venhabvu vatarisana nemutambo mukuru weHarare Derby apo Caps United iri kutamba ne Dynamos muRufaro Stadium nemusi weSvondo

Muchirongwa che The Connection na 8pm tiri kutarisa kusagadzikana kwezvinhu munyaya dzematongerwo enyika, izvo zviri kuvhiringa hupenyu hwevechidiki pamwe neruzhinji rweZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG