Accessibility links

Breaking News

MISA Zimbabwe: Hurumende Ngaibude muZimpapers

Sangano rinomirira kodzero dzevatori venhau pamwe nemasangano enhau, reMISA Zimbabwe, rinoti hurumende inofanirwa kubuda mukambani yeZimpapers kuitira kuti pave nekusununguka pamaburitsirwo enhau nemapepa ari pasi pekambani iyi.

Mugwaro raro rinoongorora mafambisirwo akaitwa nhau mugore ra2009, sangano iri rinoti hapana chakashanduka pamamiriro akanga akaita zvinhu muZimbabwe munyaya dzekufambiswa kwemashoko, kunyange hazvo pakanga pava nehurumende yemushandira pamwe.

Mapepanhau ari pasi pekambani iyi anoti Kwayedza, Herald, Sunday Mail, Chronicle, Sunday News, Manica Post nemamwe.

MISA Zimbabwe inotiwo hurumende yakaramba ichishandisa mapepanhau pamwe nedzinhepfenyuro mukushambadza divi rimwe chete reZanu PF, isingapewo mukana kune vamwe vari muhurumende izvo zvakaita kuti vana veZimbabwe varasikirwe nekutadza kunzwawo kubva kune mamwe mativi.

Advocacy Officer veMISA Zimbabwe, VaThabani Moyo, vaudza Studio7 kuti Zimpapers ikambani yevana veZimbabwe, uye izvi zvinofanirwa kuonekwa nemafambisiro ayo ebasa.

This item is part of
XS
SM
MD
LG