Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vachagara mujeri kwemazuva makumi maviri nerimwe mushure mekunge mutongi wedare atambira gwaro remuchuchisi mukuru wehurumende rekuti vagare muchizarira panguva iyi mhosva dzavari kupomerwa dzekuitwa zvehuori dzinenge dzichiferefetwa.
Mutongi wedare ramejasitiriti remuHarare, VaMunamato Mutevedzi, vatura mutongo wekuti Amai Mupfumira vagare mujeri kwemazuva makumi maviri nerimwe hurumende ichimboferefeta mhosva dzehuori nomwe dzavari kupomerwa.
VaMutevedzi vati kunyange hazvo magweta aAmai Mupfumira akati bumbiro remitemo rave kuti mukana wekubhadhara mari yechibatiso yave kodzero, vakasungwa mbira dzakondo nemutemo weCriminal Procedure and Evidence Act uyo unoti kana muchuchisi wehurumende aburitsa gwaro rekuti musungwa agare mujeri kuitira kuti nyaya yaanenge achipomerwa imboferefetwa, sezvakaitwa nevachuchisi nemusi weChishanu pamhosva dziri kupomerwa Amai Mupfumira,matare haana simba rekupa musungwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
VaMutevedzi vatiwo magwaro akasvitswa kudare ekupomera musungwa mhosva anoratidza pachena kuti Amai Mupfumira pane zvavakaita zvakakonzera kuti National Social Security Authority irasikirwe nemamiriyoni akawanda emadhora ekuAmerica pavaive gurukota rinoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu.
Rimwe gweta remuHarare rinorwira kodzero dzevanhu, VaKudzayi Kadzere, vati hurumende inofanira kunanganisa mutemo weCriminal Procedure and Evidence Act nebumbiro remitemo kuitira kuti vasungwa vasatyorerwe kodzero dzavo dzekupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
Imwe nhengo yeZanu PF, VaGodwin Gomwe, avo vaimbove sachigaro weZanu PF muboka revechidiki mupurovhinzi yeHarare, vaudza Studio 7 kuti vari kufara kuti nyaya yekurwisana nehuori inyaya yave kukosheswa nehurumende.
Mashoko aVaGomwe anouya panguva iyo vamwe vachiti komisheni inorwisa huori yeZimbabwe Anti Corruption Commission, Zacc, haina mazino sezvo ichitungamirirwa nemudzimai wegurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, Amai Loice Matanda Moyo.
VaMoyo ndivo vakazivisa pachivhitivhiti kuti masoja ainge opindira mune zvematongerwo enyika zvakazoita kuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiye basa.
VaGomwe vati huori chinhu chinodzosera budiriro yenyika.
VaGomwe vatiwo pane nyaya dzehuori dzakawanda dziri kuitika munyika dzinofanira kubvundunurwa neZacc.
Dzimwe dzemhosva dzehuori dziri kupomerwa Amai Mupfumira dzinosanganisira nyaya yekunzi vakakonzeresa kuti munyori mubazi rezvevashandi, VaNgoni Masoka, vatore chikwereti kuNSSA chemadhora zviuru makumi mapfumbamwe chekutenga motokari yavo ivo Amai Mupfumira.
Amai Mupfumira vanonzi vakazopihwa imwe motokari nehurumende yechipiri vakaregedza kutaura kuti vakange vapihwa imwe pakapihwa makurukota ehurumende motokari.
Asi magweta avo anoti iyi hainganzi imhosva sezvo vaine kodzero yekuva nemotokari mbiri segurukota rehumende uye motokari dzose dziri mbiri idzi dziri muzita rehurumende.
Amai Mupfumira vanonziwo vakashandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo kuti NSSA ipe bhanga reMetbank mari inosvika mamiriyoni gumi mukati memazuva maviri pakange pabhuroka bhanga iri.
Vari kupomerwawo zvakare mhosva yekuti vakakonzeresa kuti NSSA irasikirwe nemari yakawanda pakaita bhanga reMetbank chirongwa chedzimba kuChinhoyi.
Asi Amai Mupfumira vari kuramba mhosva dzese dzavari kupomerwa vachiti maoko avo akachena semukaka.
Amai Mupfumira vanoti zvese zvavanonzi vakaita hazvaikwanisika kuti vaite zvisina ruoko rwemunyori mubazi rezvevashandi uyo anoshanda ari pasi pebazi remunyori anoshanda muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota ehurumende.
Asi mutongi wedare ati humbowo hwakasvitswa kudare nevachuchisi hunoratidza kuti Amai Mupfumira vane zvavakaita mukuparwa kwemhosva dzavari kupomerwa vachiti musungwa ane kodzero dzekuzozvimirira pachatongwa nyaya idzi.
Amai Mupfumira, avo vanove seneta weZanu PF kuMakonde, ndivo munhu wekutanga mudare remakurukota kusungwa nenyaya dzehuori kubva pakagadzwa komisheni itsva yeZacc nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa,musi waChivabvu 30, 2019.
Boka revechidiki rakadomawo Amai Mupfumira semumwe wevanhu vakuru muZanu PF vari kuita zvehuori vanofanira kuzvichenura.
Nekune rumwe rutivi, boka remadzimai muZanu PF rakubudawo nechisungo chekuti vese vakapomerwa mhosva dzehuori mugwaro rakaburitswa nevechidiki veZanu PF, vanofanira kuti vaferefetwe.
Facebook Forum