Accessibility links

Breaking News

Mikono Yokweshana Zvakasimba paKongiresi yeMDC-T


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rava nemazita evanhu vakadomwa nematunhu gumi nerimwe kubva mumatunhu gumi nemaviri ebato iri kti vakwikwidze zvigaro zvepamusoro mubato iri.

Vanhu ava vachakwikwidza zvigaro zvepamusoro musarudzo dzichaitwa pakongiresi yebato iri ichatanga nemusi weChina svondo rino kuBulawayo.

Matunhu ose ari gumi nerimwe akadoma VaTsvangirai kuti varambe vachitungamira bato iri kwemamwe makore mashanu.

Asi zvimwe zvigaro zvose zvichakwikwidzwa. Dunhu reBulawayo ranga risati raburitsa mazita evadomwa kuti vakwikwidze sezvo ranga riine sarudzo dzaro neChipiri.

Vari kukweshana pachigaro chemunyori mukuru webato ndiVaTendai Biti naVaEliphas Mukonoweshuro, kwotiwo VaNelson Chamisa vari kukweshana naVaElias Mudzuri pachigaro chemunyori anoona nezvekurongwa kwemabasa ezvematongerwo enyika.

Chigaro chasachigaro chichatatsuranwa pakati paVaLovemore Moyo naAmai Lucia Matibenga.

MDC iri kuronga kuita kongiresi yayo yechitatu kuBarbourfields kuBulawayo, pasi pedingindira rinoti “Kubatana, Kukunda-Wirirano yeVanhu Kushanduko yeChokwadi”, (United, Winning-the People’s Covenant to Real Change), uye iri kutarisirwa kuparurwa zviri pamutemo nemutungamiri wehurumende yeKenya, VaRaila Odinga nemusi weChishanu.

Vanhu vanosvika zviuru zvitanhatu vari kutarisirwa kuungana pakongiresi iyi.

Mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza Studio7 kuti National Council neExecutive Council zvebato ravo zvichagara pasi neChitatu kuti zvisunge zvichabva mumatunhu zvinofanirwa kuzoiswa mubumbiro remitemo nezvimwe zvakadaro.

XS
SM
MD
LG