Accessibility links

Breaking News

Mhuri yeGweta Rakapondwa kuGweru Inoti Inoda Kuti Nyaya Iyi Itongwe


Hama dzaMuzvare Lucy Duve vakapondwa
Hama dzaMuzvare Lucy Duve vakapondwa

Mhuri yemushakabvu Lucy Duve, gweta rairwira kodzero dzevanhu nemusi weMuvhuro yakabatana nevamwe vanhu muguta reGweru ichifora mumugwagwa semucherechedzo wekuremekedza mufi pazuva rekupedzisira rekucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhonga yemudzimba kana kuti 16 Days of Activism Against Gender-Based Violence.

Muzvare Duve vanonzi vakapondwa nemukomana wavo pakunopera kwemwedzi waMbudzi mushure mekunetsana.

Vachitaura neStudio 7 pakufora kwaitwa nevemamwe masangano akasiyana-siyana muGweru, Amai Elizabeth Duve vanove amai vemushakabvu Lucy vakati vachiri kurwadziwa zvikuru nekufa kwakaita mwana wavo vachiti havana kumbofungidzira kuti hupenyu hwake hwaizoguma nenzira inorwadza kudaro.

Amai Duve vakatiwo rufu rwemwanasikana wavo runofanirwa kuve dzidziso kune vanhukadzi vakawanda kuti vataure kana vachishungurudzwa murudo kana muwanano.

VaOrpheus Marunga vanove babamunini vemufi vakati vari kurwadziwa nenyaya yekuti Tashinga Musonza uyo anonzi ndiye akarova Lucy kusvika afa haazi mujeri uye hapana zvavari kuziva semhuri pakuti achamiswa pamberi pedare riinhi.

Musonza akasungwa mushure mekunzi ndiye aive auraya Lucy uyo waainzi aidanana naye, asi akaburitswa muhusungwa mushure memazuva matatatu sezvo zvainzi aive agarisa mumaoko emapusira kupfurikidza nguva inotenderwa pamutemo achinzi aizomiswa pamberi pedare kana mapurisa apedza kuferefeta nyaya iyi zvizere.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa kuti Musonza aripi pari zvino asi vamwe vanoziva zviri kuitika vanoti ari mumaoako emauto ekubasa kwake kuThornhill Airbase uko anoshanda.

VaDesderius Duve vanove hanzvadzi yemushakabvu vakatiwo havazi kufara nenyaya yekuti Musonza haasati amiswa pamberi pedare vachitiwo zvichavatorera nguva semhuri kuti kurwadziwa kwavari kuita kupore.

Sachigaro weWomen’s Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands Amai Alice Maqatha vati sesangano vari kuchema pamwe chete nemhuri yekwaDuve uye vachaedza nepose pavanogona napo kuti nyaya yekupondwa kwaMuzvare Duve itongwe sezvinokodzera.

Musi weMuvhuro ndiwo wekupedzisira pamazuva ekucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekudzivirira mhirizhonga inoitwa kuvanhukadzi nevanasikana kana kuti 16 Days of Activism Against Gender based Violence.

Nyaya In Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG