Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yokanganisa Zvinhu Zvakawanda Munyika


Nyaya yemhirizhonga inonzi iri kukanganisa zvinhu zvakawanda munyika, zvikuru muguta reHarare, umo munonzi menge makaberekera ingwe, sezvo nhengo dzeZanu PF dziri kunzi dziri kurwisa nhengo dzeMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe nekuputsa mahofisi ebato iri.

Nhengo dzeZanu PF idzi dzinonzi neChitatu dzakakanganisawo mafambisirwo ebasa pamahofisi ekanzuru yeguta reHarare, paTown House, izvo zvakaita kuti vashandi vavhare mahofisi avo vachityira hupenyu hwavo.

Pava nekunakurirana nyoka mhenyu pakati peZanu PF neMDC panyaya yekuti ndiyani ari kukonzeresa mhirizhonga iyi.

MDC inoti Zanu PF yakatora vanhu kubva munzvimbo dzakakomberedza Harare kuti vazovhiringidza zvinhu vachishanda nechikwata cheZanu PF cheChipangano, mushure mekunge kanzuru yatema chibage chakanga charimwa muguta.

Ukuwo, Zanu PF kuburikidza nemapepanhau nenhepfenyuro zvehurumende, yava kuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, ndivo vari kukonzeresa mhirizhonga iyi nemashoko avanonzi vakataura pamusoro pemhirizhonga iri kuitika kuEgypt.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti zvechokwadi Zanu PF iri kukonzera mhirizhonga, sezvo ivo vakatoponawo nepaburi retsono mumusha weMbare.

Asi mutungamiri weAffirmative Action Group, VaSupa Mandiwanzira, vanotiwo munyika hamuna mhirizhonga, asi kuti ibato reMDC nevanoritsigira vari kuparidza manyepo.

XS
SM
MD
LG