Accessibility links

Breaking News

Mhemberero dzeMDC Dzounza Kunetsana Kwayo neMapurisa


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muHarare zvikuru mumisha yevazhinji inosanganisira Mbare neHighfield apo bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai riri kuronga kuita mhemberero kuGwanzura Stadium dzekupemberera makore gumi nemaviri raumbwa.

Mutauriri wemapurisa, VaWayne Bvudzijena, vanenge vadirawo peturu mumoto nekutaura mashoko ekuti MDC iri kuronga kutora zvigeveng'a zvekuzokonzera mhirizhonga ichinyepa kuti vanhu vari kuchengetedza runyararo.

Izvi zvinotevera mashoko eMDC neChina ekuti ichaona kuti vamwe vatsigiri vayo vabatsira mukuchengetedza runyararo sezvo iri kutyira kuti vatsigiri veZanu-PF vangangomuka chibhebhenenga vakavhiringidza mabiko.

Vamwe vezvematongerwo enyika vataura neStudio7 vanoti hukama pakati pemapurisa nevanhu hunenge hworamba huri kumawere sezvo vanhu vakawanda vave kuenda havo kuJOMIC pane kunomhan’ara nyaya dzavo kumapurisa.

JOMIC yacho yaudzawo mapurisa kuti asunge vanhu vapa kuti vagari vemuHarare vaite kunge vari kufudza ingwe nemhirizhonga.

NeChipiri kwakaita bata murefu bata mupfupi panze pedare reparamende apo vatsigiri veMDC vakarohwa neveZANU-PF. NeChitatu pakaitikawo mhirizhonga kuHighfield nekuChitungwiza ichikonzereswa nevatsigiri veZANU-PF.

Vanoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vari kushamisika nemashoko aVaBvudzijena .

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti VaBvudzijena vanotya kuti vataure kuti Zanu-PF ndiyo iri kukonzera mhirizhonga.

Asi munyori anoona nezvevechidiki muZanu-PF, VaSaviour Kasukuwere, vanoti handi chokwadi kuti vechidiki vebato ravo vari kuita zvemhirizhonga.

XS
SM
MD
LG