Accessibility links

Breaking News

Mhando yeCovid-19 yeDelta Variant Yobata neKuuraya Vanhu Vakawanda muZimbabwe


Bazi rezvehutano rinoti neChipiri vanhu makumi matatu nevasere vakashaya nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zviviri nemazana maviri nemakumi manomwe nevana kana kuti 2,274.

Izvi zviri kuuya apo nemusi weChipiri mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati mhando yechirwere cheCovid-19 inonzi Delta variant ndiyo yave kupararira zvakanyanya munyika.

Nyaya yeDelta variant iyi iri kutemesa nyanzvi munyaya dzezvehutano musoro nekuti inotapuriranwa zviri nyore nyore.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu zviuru zviviri nemazana masere nemakumi mana nevashanu kana kuti 2,845 vakabatwa nechirwere ichi nemusi weChipiri zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi manomwe nezvitatu zvine mazana maviri nemakumi manomwe nemumwe kana kuti 73, 271.

Vanhu chiuru chimwe chete nezana nemakumi manomwe kana kuti 1,170 vakapora kubva kuchirwere ichi neChipiri, zvasiya vanhu vapora kubva chirwere ichi zvachatanga kupararira vave zviuru makumi mana nezvisere zvine zana nevaviri kana kuti 48,102.

Vachiri kurwara vari muzvipatara nekudzimba vave zviuru makumi maviri nezviviri nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 22,895.

Vanhu zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi mashanu nevatanhatu kana kuti 955, 656 ndivo vabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 yekutanga.

Vabayiwa kaviri sezvinokurudzirwa vave zviuru mazana matanhatu negumi nezvipfumbamwe nemazana masere nemakumi masere nevatatu, kana kuti 619, 883.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu mamiriyoni gumi kuitira kuti chirwere ichi chisapararire.

Vanamazvikokota pasi rose vachiri kuita ongororo yekuona kuti nhomba dziri kubayiwa dzinonyatsoshanda here pamhando yeDelta variant iyi.

Delta variant, iyo yakatangira kuIndia muna Gumiguru gore rapera inonziwo nebazi rinoona nezvehutano muAmerica reCenters for Disease Control and Prevention ndiyo yave kupararira zvakanyanya muAmerica nezvikamu makumi mashanu nezvisere kubva muzana kana kuti 58%.

Mhando yechirwere ichi iri kuuraya vanhu vakawanda kuSouth Africa, India nedzimwe nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti kana munhu abatwa neDelta variant anogona kutemwa nemusoro, kuchururuka madzihwa uye kurwadziwa pahuro.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, uye vakambove mukuru wechipatara cheChitungwiza, Dr Enoch Mayida, vaudza Studio 7 kuti chirwere cheCovid-19 chinonetsa kunyatsorapa sezvo pachikwanisa kungonyuka mhando dzakasiyana siyana.

Vakurudzira vanhu kuti vapfeke zvivhara muromo nemhuno uye kusangoenda panzvimbo dzakaunganwa.

Hurukuro naDoctor Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG