Accessibility links

Breaking News

Meya Masunda Vonetsana neZanu PF muHarare


Meya weguta reHarare, VaMuchadeyi Masunda, vanonzi varamba kuenda kumuzinda weZanu PF uko vanga vadaidzwa nesangano riri kufambisa hurongwa hwekuendesa hupfumi kune vechidiki.

Izvi zvinotevera kunetsana kwavepo nekupiwa basa rekuona nezvenzvimbo dzekupaka motokari kwakaitwa nekanzuru yeHarare kukambani yeEasipark yekuSouth Africa.

NeChipiri nhengo idzi dzinonzi dzakavharisa mahofisi eEasipark ari paJulius Nyerere Way Parkade, uye kudzinga vashandi vekambani iyi kubva munzvimbo dzavanoshandira mumigwagwa, izvo zvinonzi zvakazoita kuti mapurisa ambochengetedza dzimwe dzenhengo idzi.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaMasunda, kanawo kunzwa kuZanu PF pamusoro pezviri kuitika.

Asi mutevedzeri wameya weguta reHarare, VaEmmanuel Chiroto, vaudza Studio7 kuti kanzuru yakaita zvose zvinodiva mukushambadzwa kwetender yavakazopa kuEasipark.

XS
SM
MD
LG