Accessibility links

Breaking News

Zvinodhaka Zvovhiringa Pfungwa dzeVakawanda muZimbabwe.


map of zimbabwe
map of zimbabwe
Sangano revanorwara nepfungwa reZimbabwe National Association for Mental Health rinoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekurwisa mashandisirwo ezvinodhaka izvo zviri kukonzera zvirwere zvepfungwa muvanhu vakawanda munyika.

Ongororo dzakaitwa munyika dzinoratidza kuti vechidiki vakawanda ndivo vari kunyanyokanganisika nepfungwa zvichibva mukushandisa zvinodhaka.

Mumwe wechidiki asina kuda kudomwa nezita rake anoti aiputa mbanje akazorega pava paya, asi izvi zvakasiya zvavhiringa pfungwa dzake.

VaRobert Nyamibvu, avo vane makore makumi maviri nematanhatu, vanogara mumigwagwa yemuHarare vachipona nekukumbira nekuita twumabasa twakaita sekuchengeta motokari.

VaNyamibvu vanoti dambudziko ravo rakakura nekupindana kwenguva.

VaRogan Chavhunduka, avo vane makore makumi maviri nematatu vanogara muna Mukuvisi vachinwa nekuputa zvinodhaka.VaChavhunduka vanoti hupenyu hwavo hwava kugara hwakavaomera nguva dzose.

Amai Susan Dodzo vesangano reZimbabwe National Association for Mental Health vanoti veruzhinji havafaniri kushandisa zvinodhaka kana kunwa zvinodhaka zvinopfuura mwero.

Amai Dodzo vanoti vana nevabereki vanofanira kuziva kuti zvinodhaka, izvo zvinowanikwa pese pese, zvinokanganisa hutano hwepfungwa.

Sangano re Zimbabwe National Association for Mental Health rinoti zvakakosha kuti veruzhinji vabatane pamwe chete navo mukutsvaga mari yekutenga mishonga inoshandiswa kurapa vanorwara nepfungwa sezvo dambudziko iri rakura munyika.

Sangano iri rinoti muZimbabwe mune vanhu vaviri muzana rega rega vane zvirwere zvepfungwa, zvizhinji zvichikonzerwa nezvinodhaka.
XS
SM
MD
LG