Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoronga Kuvandudza Mitemo Inobata Kuburitswa kweMashoko


Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko inoti iri kuronga kuunza muparamende bhiri remutemo mutsva wakanangana nekubatsira vatori venhau kuti vashande vakasununguka.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, mumiriri weKwekwe - Mbizo muparamende, VaSettlement Chikwinya, vati komiti yavo iri kuronga bhiri remutemo richavandudza mutemo we Access to Information and Protection of Privacy Act, kuitira kuti vatori venhau vashande vakasununguka munyika.

VaChikwinya vati bhiri iri rikatambirwa neparamende, richaita kuti Zimbabwe Media Commission ishande zvakanaka, hurumende isingapindire mukushanda kwayo.

Nyanzvi munyaya dzemitemo inoshanda yakazvimirira, Muzvare Rose Gomo, vatiwo bhiri iri rakanaka nekuti richaita kuti vatori venhau vakwanise kuwana mashoko avanenge vachida.

Asi mukuru we Media Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti bhiri iri harina kutwasuka, nekuti chinangwa charo ndechekuda kugutsa zvido zvemapato maviri e Zanu PF neMDC. Vatiwo bhiri iri rinoda kubatwa batwa zvakasimba risati raendeswa kuparamende.

Vamwe vatori venhau vapawo chikumbiro chekuti mimwe mitemo yemudunhu reSADC neyeUnited Nations, iongororwe nechinangwa chekusimbaradza bhiri iri risati rasvitswa muparamende.

Mapato ari muhurumende akawirirana muchibvumirano che Global Political Agreement kugadzirisa mitemo inobata vatori venhau, asi kusvika pari zvino, hapana chati chaitwa.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG