Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Voramba Kubva paMorgan Richard Tsvangirai House


Gorekore MDC Youth2
Gorekore MDC Youth2

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka pamuzinda weMorgan Tsvangirai House muHarare zvichitevera kupinda kwakaita vamwe vechidiki ava pamuzinda uyu nemusi weSvondo.

Musangano nevatori venhau wanga wakokerwa nemutauriri wvakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, VaKhalipani Phugeni, hauna kuenderera mberi kunyange hazvo VaPhugeni vasvika pamuzinda uyu.

VaPhugeni vanonzi vaudzwa nevari kutungamira chikwata chevechidiki vari pamuzinda uyu, VaPaul Gorekore, kuti vange vakasununguka kupinda kunoita musangano wavo nevatori venhau.

Asi VaPhugeni havana kuita musangano wavanga vadaidzira, vakazoudza Studio7 parunhare kuti vanga vachifanirwa kuita musangano uyu nevamwe vatungamiriri avo vazenge vabatikana kuuya.

VaGorekore, avo vanova sachigaro wevechidiki mudunhu reHarare, vati vange vachitarisira kugadzirisa nyaya dzeMDC T pasina zvekushandisa matare.

VaGorekore vati havaoni vane chavakakanganisa pavakapinda pamuzinda uyu, uye vari kutevedzera zvakataurwa nedare repamusoro soro kuti bato ravo ridzokere paraive muna 2014.

VaGorekore vatiwo vakatyamadzwa nekuramba kupinda mumuzinda webato kwaitwa naVaPhugeni vachiti vanga vachizovachengetedza kunyange hazvo vasiri pavanhu vakasarudzwa muna 2014.

Mutevedzeri waVaGorekore, VaStanley Manyengavana, vatiwo kunyange hazvo pakatora nguva vechidiki vasinganzwisisani mushure memutongo wedare waiti Muzvare Khupe vafanobate matomu ehutungamiriri, vati vechidiki vakazoona kuti zvakakosha kutevedzera zvakaturwa nedare vogadzirisana kuitira kuti vafambira mberi sebato.

Asi VaPhugeni vashora zvakaitwa nevechidiki ava vachiti kana vaive nezvinyunyuto, vangadai vakashandisa nzira kwadzo dzekuisa zvichemo zvavo.

Vatiwo muzinda weMorgan Tsvangirai House, mahofisi ebato, nekudaro hapafanirwi kugarwa sepamusha izvo zvakapa kuti vaende kumatare kuti varimo ava vabviswe zviri pamutemo.

VaGorekore nevamwe vavo vatiwo kunyange hazvo vasati vapiwa mapepa anoti vabude pamuzinda uyu, vatoendesawo mapepa avo kumatare vachiti havafanirwi kudzingwa pamuzinda uyu sezvo vari kutevedzera zvakaturwa nedare muna Kurume wegore rino kuti vadzokere kuzvigaro zvaiveko muna 2014 kusvika kwaitwa musangano weExtra Ordinary Congress.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumunyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi VaMwonzora vakaudza Studio7 nezuro kuti vakaenda kumatare vaine chinangwa chekubvisa vanhu vari kugara pamuzinda webato zvisiri pamutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG