Accessibility links

Breaking News

MDC Yotorera Mauto Matanho?


Bato reMDC rinoti rava kunyora tsamba kuvakuru vemauto kuti vabude pachena panyaya yekuti sei vemauto vave kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika vasati vakwidza nyaya iyi kuSADC.

Vakuru vemauto ava vanonzi ndivo vari kushanda nesangano reJoint Operations Command mukutsvagira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rutsigiro musarudzo.

Vane ruivo nezviri kuitika muJOC vanoti matunhu akaita seManicaland neMasvingo ndiwo achange akazara mauto nevamwe vari kushanda neJOC. JOC iri kushanda nevakarwa hondo yerusununguko, sangano reZimbabwe Liberation War Collaborators uye vechidiki veZanu-PF.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nevakarwa hondo yerusununguko vakati havasi kuzotambira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kunyange vakakunda musarudzo.

VaMnangagwa vakaudza vatori venhau kuti pasi pemutemo vanokwanisa kuendesa mauto zvikamu gumi kubva muzana kudunhu rega rega senzira yekudzivirira nyika.

MDC inotiwo iri kukatyamadzwa nemashoko evaimbova gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari nhengo yeZanu-PF, VaJonathan Moyo, ekuti VaTsvangirai vanofanira kunyayarara kana kuti kumirira kukundwa musarudzo ndokunge vachiripo pachaitwa sarudzo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vatiwo nyaya iyi inogona kuguma yave kuSADC. Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vati hachisi chokwadi kuti mauto ari kushandiswa neZanu-PF.

XS
SM
MD
LG