Accessibility links

Breaking News

MDC Yoshora Mapurisa Anonzi Akarova Gweta VaColtart


VaDoug Coltart
VaDoug Coltart

Bato tinopikisa reMDC nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights ari kushora zvikuru mamwe mapurisa kuHarare Central ari kupomerwa mhosva yekurova gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDoug Coltart.

VaDoug Coltart, mwana wevaimbova gurukota rezvedzidzo vari nhengo yeMDC VaDavid Coltart, uye vakarohwa apo vaimiririra mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vainge vasungwa neMugovera.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo munhu adaira nharembozha yavo ati vange vachitaura pane imwe nhare.

Munyori anoona nezvemutemo muMDC VaInnocent Gonese vanoti zvakaitwa nemapurisa aya zvinhu zvinongoratidza kuti hurumende iri kutonga nedemo.

Hurukuro naVaInnocent Gonese
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG