Vatsigiri vebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa vari mudunhu reAmerica vanoti vari kuenda kuNew York kunoratidzira nemusi weMugovera apo mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vachange vari muguta iri.
Kuratidzira uku kuchaitwa nemusi wa Gunyana 29, 2018.
VaMnangagwa vachange vari muNew York kumusangano wepagore weUnited Nations General Assembly, UNGA, uko vari kutarisirwa kutaura nemusi weChitatu, Gunyana 26, 2018.
Kunyange hazvo VaMnangagwa vari pazvirango zveAmerica zvekuti vasashanye munyika iyi, vanobvumirwa kupinda muAmerica pasi pezvirongwa zveUnited Nations, asi havabvumirwe nemitemo kufamba rwendo rwunodarika mamaira makumi maviri nemashanu kubva pari kuitirwa musangano weUNGA.
VaMnangagwa vanonzi vari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri mu America pamazuva avanenge vari muNew York, asi hazvisati zvajeka kuti vachasanganawo here nenhengo dzeMDC USA.
Asi Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba.
MDC–USA inoti zvakaitwa nenhengo dzavo mudare reparamende neChipiri chapfuura zvekubuda nekuimba apo VaMnangagwa vaivhura paramende, ndizvo zvavari kuda kuita senzira yekuratidza pasi rose kuti haisi kucherechedza VaMnangagwa semutungamiri wenyika akasarudzwa nevanhu.
MDC USA inotiwo inoda kuti pasi rose rizive kuti VaNelson Chamisa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Mumumwe wevarongi vehurongwa uhwu, murwiri wekodzero dzevanhu, uye vari mutevedzeri wemunyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muMDC USA, Va Charles Mutama, vanoti vari mubishi rekugadzirisa zvese zvinodiwa kuitira kuti kuratidzira uku kuenderere mberi sezvavari kuda nemusi weMugovera.
Vanotiwo vane tarisiro yekuti kuratidzira uku kuchabatsira veruzhinji kutaura zviri pasi pemoyo yavo nehutongi hwaVaMnangagwa.
Facebook Forum