Accessibility links

Breaking News

MDC Yoita Sarudzo dzemaPrimary Kune Mamwe Matunhu


VaNelson Chamisa

Bato rinopikisa reMDC-T rinotungamirwa naVaNelson Chamisa rakaita dzimwe sarudzo dzemaprimary munzvimbo dzakasiyana siyana munyika nemusi weSvondo.

Asi mune dzimwe nzvimbo dzakaita seBudiriro maita kukandirana makobvu nematete kwevange vachipinda musarudzo. KuTafara-Mabvuku kunonzi hakuna kuuya munhu ange achifanira kutungamira sarudzo dzacho

Sachigaro weMDC T mudunhu reManicaland VaDavid Chimhini vaudza Studio 7 kuti dzimwe sarudzo dzakasendekwa parutivi nekuda kwekuti painge pasina zvikwanisiro zvakakwana izvo zvisina kufadza vatsigiri vakawanda vainge vauya kuzovhota, ”Ndine hurombo zvikuru nekuti vaifanirwa kuuya kuHarare havana kuuya nenguva.”

VaChimhini vanoti vanofunga kuti sarudzo dzakasangana nematambudziko akawanda idzi dzichafamba zvakanaka nemusi weMuvhuro padzichaedza kuitwa zvekare.

Pane kukwikwidzana kunotyisa muChikanga Dangamvura pakati paAmai Lynette Karenyi Kore naVaProsper Chapfiwa Mtseyami uye sarudzo iyi yakatarisirwa nevakawanda mubato iri.

Amai Elizabeth Runengi vanoti vakatokundikana kuenda kuchechi nechinangwa chekuti vaida kuti vavhote vakati havana kufara nezvakaitika.

Imwe nhengo yebato iri, VaPeter Kuzveyi vanoti vakuru vavo vanosungirwa kuremekedza nguva.

Sarudzo dzemudunhu reManicaland dzave nenguva yakareba ndichitarisirwa kuitwa asi pasina chinobuda.

Sekurongwa kwazvange zvakaitwa, sarudzo idzi dzange dzichifanira kuitwa nezuro dzobva dzapera. Asi kune nzvimbo dzasarira dzinosanganisira Buhera South, North, West nedzimwe.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG