Accessibility links

Breaking News

MDC Yodoma Vatungamiri Vatsva


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Musarudzo dzange dzakatarisirwa neveruzhinji dzaitwa husiku dzimwe nguva pasina magetsi, VaWelshman Ncube, VaTendai Biti naAmai Lynette Karenyi Kore ndivo vasarudzwa kuve vatevedzeri vemutungamiri webato guru rinopikisa VaNelson Chamisa.

Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya ndivo vasarudzwa kuve sachigaro weboka remadzimai ukuwo VaObey Sithole vachiitwa sachigaro weboka revechidiki.

Vachitaura mushure mekuziviswa kwevatungamiri vatsva vebato, VaChamisa avo vakasarudzwa pasina anovakwikwidza vatenda vatsigiri nevakuru vakuru vebato nekwavati kuzvipira kwavo kumusangano weMDC vakatiwo vane chokwadi chekuti vatungamiri vasarudzwa vachakwanisa kuunza shanduko ichapedza matambudziko ari munyika.

Vati vanofunga kuti nyika dzemuAfrica dzine basa rakakosha mukugadzirisa matambudziko emuZimbabwe vakati munguva pfupi iri kutevera vachafamba munyika dzakasiyana siyana dzemuAfrica nedzemhiri kwemakungwa senzira yekupa maonero avo pakuti matambudziko aya ogadziriswa sei.

Asi vatiwo vachatora matanho avasina kuda kuburitsa pachena seimwezve nzira yekugadzirisa matambudziko ari munyika.

VaChamisa vati kuve mutungamiri hakurevi kuzvitutumadza kana kuita madiro aJojina asi kuita zvido zvevanhu vakati kukundwa kwaita vamwe vange vachida zvigaro hakurevi kuti vanofanirwa kurasa mbereko nekufirwa.

Vadoma VaMorgan Komichi naVaHappymore Chidziva nemazita vachivatenda sekuve muenzaniso wakanaka wekutambira kukundwa pamakwikwi ekuve vatungamiri.

VaKomichi avo vakundikana pamakwikwi ekuve mumwe wevatevedzeri vevatungamiri vebato vati vatungamiri vasarudzwa kuda kwaMwari.

VaHappymore Chidziva avo vakundwa naVaJob Sikhala kuve mutevedzeri wasachigaro webato vaudza Studio 7 kuti vacharamba vachishandira musangano.

Muzvare Tabitha Khumalo avo vaita ivo mudzimai wekutanga kuve sachigaro webato kubva zvaravambwa vati zvimwe zvezvisungo zvabuda pakongiresi iyi zvinosanganisira kutambira danho rakatorwa namushakabvu Morgan Tsvangirai rekuti bato rive nevatevedzeri vatatu, kuwedzerwa kwenhengo dzeNational Standing Committee kubva pagumi nevaviri kusvika pagumi nevanomwe, uye kuti bato iri ripinde munhaurirano. Asi vati nhaurirano idzi dzinofanirwa kuve dzechokwadi.

Chimwe Chisungo chabudawo pamusangano uyu ndechekuti hapana nhengo inofanirwa kuendesa bato kumatare isati yatora nzira dzose dzekugadzirisa zvichemo mukati mebato zvichinzi kana nhengo inotyora chisungo ichi inenge yazvidzinga mubato.

VaCharlton Hwende avo vakunda VaDouglas Mwonzora pakuve munyori mukuru webato vati vafara zvikuru nekusarudzwa uku vakavimbisa kuti vakazvipira kushanda naVaChamisa vachivatsigira pane zvose zvavanenge vachiita.

Muzvare Cecilia Chimbiri avo vasarudzwa kuve mutevedzeri wasachigaro weboka revechidiki ako kanove kekutanga chigaro ichi chichibatwa nemunhukadzi vati vafara kuti bato ravo riri kusimudzira vanhukadzi vechidiki.

Mutauriri wevange vachiitisa sarudzo VaMfundo Mlilo vati sarudzo idzi dzafamba zvakanaka. Iyi ikongiresi yechishanu kubva zvaumbwa bato reMDC muna 1999.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG