Accessibility links

Breaking News

MDC yaVaTsvangirai Yogadzirira Kongiresi


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rakoka mutungamiri wehurumende yeKenya, VaRaila Odinga, kuti vazova munyarikani pachachaitwa musangano waro wekongiresi kuBulwayo musi wa30 Kubvumbi na 1 Chivabvu.

Bato iri riri kuenda kukongiresi pasina kunyatsoshanda zvakanaka, kunyange hazvo vakuru mubato iri vachiti zvinhu zviri kufamba nenzira kwayo. Irwin chifera atipa nyaya iyi.

Munyori anoona nekufambiswa kwemabasa ekuronga musangano, kana kuti organising secretary, VaElias Mudzuri, vaudza vatori venhau neChina kuti mapazi ezvevanhukadzi, Women’s Assembly, pamwe nezvevechidiki, Youth Assembly, ndiwo achatanga kuita makongiresi awo musi wa 29 Kubvumbi kuBulawayo kware.

Kana kongiresi iyi idzi dzapera, kongiresi huru ichaitwa musi wa 30 Kubvumbi na 1 Chivabvu.

VaMudzuri vati mabasa ekugadzirira musangano uyu ari kufambira mberi uye misangano yemumatunhu kana kuti maprovincial congress ichatanga kuitwa nemusi weMugovera uno, 2 Kubvumbi kusvika musi 10 Kubvumbi.

Matunhu anoti Mashonaland West, Midlands North neChitungwiza, achaita kongiresi yawo nemusi weMugovera musi wa 2 Kubvumbi.

Kongiresi yeHarare Province iri kuitwa nemusi weSvondo, Kubvumbi 3. Vari kutarisirwa kuenda kukongiresi idzi ndavana sachigaro vatatu vemawadhi ose, makanzura, vamiriri veparamende munzvimbo idzi, pamwe nehutungamiri hwe Executive Wing munzvimbo dziri kuitirwa makongiresi aya.

Kongiresi yeMasvingo Province iri kuitwa neSvondo svondo rinouya nemusi wa10 Kubvumbi.


Vati bazi ravo rakatoronga zvikwata zvichange zvichiona kuti misangano iyi ichange ichifambiswa sei munzvimbo dzese dzenyika.

VaMudzuri vati bato ravo rine hutongi hwejekerere uye vese vanoda kukwikwidza chigaro chipi mubato iri, vakasununguka kuita izvi.

Vati bato ravo rakatoburitsa gwaro richashandiswa kana kuti code of conduct vachitiwo zvimwe zvinorambidzwa pasi pegwaro iri kutenga mavhoti, kutukikirira vamwe kana kukonzera mhirizhonga.

VaMudzuri, avo vange vachitsigirwa pamusangano uyu nemutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, varambawo kuti mimwe misangano yekuronga matunhu madiki mubato yakaita mhirizhnga.

Asi pane humbowo hwekuti imwe mhirizhonga iyi yakonzerwa nedzimwe nhengo dzeMDC. Musi weChina chapera, nhengo dzebato iri dzekuZengeza West, dzakarovana paHarvest House dzikatadza kuita musangano mushure mekusawirirana kuti ndiani aifanirwa kupinda mumusangano uyu. Zvinonzi imwe nenhgo yeparamende yekuChitungwiza, ndiyo inonzi yakakonzeresa nyonga nyonga iyi mushure mekuona kuti vanhu vayaida vainge varambidzwa kupinda mumusangano uyu.

KuMasvingo, kuMwenezi nekwaMucheke, kwakaitawo mhirizhonga apo dzimwe nhengo dzebato iri dzainge dzisina kufara nemafambisirwo aiitwa musangano nevakuru vebato munzvimbo idzi.

Zvichakadai, VaChamisa vati mutungamiri wehurumende yekuKenya, vaRaila Odinga, ndivo vakakokwa kuzove munyarikani pakongiresi yavo.

Vatiwo vakakoka mapato ezvematongerwo enyika akawanda kubva pasi rese pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.

Musangano uyu unotarisirwa kusarudza hutungamiriri hutsva hwebato iri. Pari zvino hapana ati abuda pachena kuti achada kukwikwidza chigaro chemutungamiri wenyika, icho china VaTsvangirai, kunyange hazvo paine mashoko ekuti pane vazhingi vari kugadzirira kukwikwidza mune zvimwe zvinzvimbo.

Izvi zvinonzi ndizvo zvave kukonzera makakatanwa mubato iri, sezvo kuitirana hutsine, pamwe nekusvibisana, ava magariro mubato rakaumbwa riine chinangwa chekuita zvido zvevanhu.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinotiwo dzinoona musangano uyu uchibudirira sezvo bato iri riri kuedza napose parinogona napo kuita zvinhu zvaro mujekerere.

Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti kunyange hazvo pasina musha usina matambudziko awowo, mukati mematambudziko aya, bato iri riri kufambisa mberi basa pasina kupindira zvakanyanya kwehutungamiri hwepamusoro sezvinoonekwa mune mamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Mukuru weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanotiwo vanhu vanoda kukwikwidza musarudzo idzi vanofanirwa kupiwa mukana zvisina tsvete nekuti MDC ibato revanhu.

XS
SM
MD
LG