Mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe nevamwe vavo vaviri vanoti Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marova, avo vakasungwa zvakare neChitatu, vapomerwa mhosva zviri pamutemo nemapurisa yekunyepa kuti vakapambwa.
Gweta revasungwa ava, VaJeremiah Bamu, vaudza Studio7 parunhare vari pakamba yemapurisa yeHarare Central kuti vatatu ava vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo weCriminal Law Codification Reform Act.
VaBamu vati mapurisa avapomera mhosva yekuti vakanyepa kuti vakapambwa vakatochwa vari mumaoko ehurumende.
Vatiwo zvakare Muzvare Mamombe vapomerwawo imwe mhosva yekufambafamba panguva iyo nyika yakavharwa nekuda kwechirwere cheCovid19 kana kuti unnecessary movement.
Vaenderera Mberi vachiti Muzvare Chimbiri naMuzvare Marova vapomerwawo mhosva yekuratidzira zvisiri pamutemo musi wa19 Kukadzi uye vati vari kutarisira kuti vasungwa ava vachamiswa pamberi pematare mangwana.
Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vaudza Studio 7 parunhare kuti vanga vasati vapirwa nezvenyaya iyi.
Kusungwa kwevatatu ava kwashorwa nemutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda zvakare nesangano reCitizens Manifesto, VaBriggs Bomba, vati kusungwa kwenhengo dzeMDC Alliance idzi uku kunosvibisa zita rehurumende zvikurusei masangano mazhinji pasi rose anosanganisira United Nations ari kutsoropodza hurumende nemabatiro airi kuita vasungwa ava.
Vatatu ava, avo vanga vachifanira kunge vari muchipatara, vari kumapurisa kubva nezuro izvo zvinonzi nemagweta avo zvavatadzisa kuti varapwe.
Vasungwa ava vanoti vakasungwa pa roadblock vakaendeswa kukamba yeHarare Central kwavakazopambwa vakanotochwa vari mumaoko ehurumende.
Vakazowanikwa kuBindura vakakuvara zvakaipisisa.
Vatatu ava vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavakapomerwa pakutanga yekutyora mitemo yakadzikwa nemutungamiri wenyika yeCovid19 Regulations mushure mekuratidzira kwavakaita mumusha weWarren Park pavakazosungwa.
Facebook Forum