Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu PF Dzonzvengana neMashoko paNyaya dzeMhirizhonga


Apo vatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa vari kukurudzira kumiswa kwemhirizhonga, vamwe vatungamiri mumapato aya vari kupomerwa mhosva yekukurudzira nhengo dzavo kuti dzirwisane nevanodzipikisa kana dzichinge dzarwiswa.

Izvi zvinotevera mashoko anonzi akataurwa kuChitungwiza neSvondo nasachigaro weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaLovemore Moyo, ekuti nhengo dzebato ravo dzidzoserewo kana dzikarwiswa nevatsigiri veZanu PF.

Mashoko aya anoteverawo mashoko akadai akataurwa svondo rapera nasachigaro weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, ekuti vatsigiri vavo vadzosere kana varwiswa neMDC.

Masvondo maviri apfuura, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaWelshman Ncube, vakabatana mukushoropodza mhirizhonga, iyo yanga yatanga zvakare mune dzimwe nzvimbo munyika.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studi 7 kuti mashoko aVaLovemore Moyo aya haasi kupikisa kurudziro yevatungamiri vemapato ari muhrumende, asi kuti ikurudziro yekudzivirira zvakaitika mugore ra2008 apo nhengo dzebato iri dzaitorwa mudzimba dzichipondwa, sezvakaitwa Tonderai Ndira nevamwe.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti vanoshora zvikuru vatungamiri vari kukurudzira mhirizhonga munyika, vachitiwo bato reMDC rinotaura mashoko aya nekuti harina kupinda muhondo.

XS
SM
MD
LG