Accessibility links

MDC-T Yogadziridza Mazuva eKongiresi Huru Kuitira Vashandi

  • Jonga Kandemiiri

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yachinja zuva ranga richifanirwa kutanga kongiresi yayo huru, uye zuva rinopera kongiresi iyi rachinjwa zvakare.

MDC yati musangano wekongiresi wava kutanga musi wa28 Kubvumbi uchipera musi wa30 Kubvumbi kuitira kuti vashandi vakwanise kuenda kunopemberera zuva revashandi pasi rose, remusi wa 1Chivabvu.

Kushandurwa kwemazuva aya kunotevera tsamba yakanyorwa nemunyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, kuMDC vachigunun’una nemarongerwo akanga aitwa kongiresi huru yebato iri, pasina kutariswa zuva revashandi.

MDC yakanga yati kongiresi yayo ichatanga musi wa29 Kubvumbi, ichipera musi wa1 Chivabvu.

Mutsmba yavakanyorera MDC, VaChibebe vakati sangano ravo rakanga risingafari nezvakanga zvaitwa neMDC zvekuti kongiresi iitwe munguva idzo vashandi vanenge vachipemberera zuva ravo. VaChibebe vakatiwo zvinhu zvaishamisa kuti bato rine musimboti uri muvashandi, rainge risina kukoshesha kodzero dzevashandi kuburikidza nekuita kongiresi pazuva ravanenge vachipemberera zuva ravo.

Mutauriri weMDC T, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti Standing Committee yebato ravo yatambira zvakabuda musarudzo dzakaitwa mukupera kwesvondo mumatunhu akawanda.

Asi vatiwo sarudzo dzichadzokororwa kuMidlands North uye dzinofanirwa kupedziswa mumatunhu anoti Bulawayo, Masvingo, Mashonaland Central neManicaland sezvo dzakavhiringidzwa nemapurisa.

XS
SM
MD
LG