Accessibility links

Breaking News

MDC-T neZanu PF Dzotashurana Panyaya yeGamba


Veruzhinji vanoti vanowirirana zvikuru nedanho ratorwa nePolitiburo yeZanu PF rekupa mufi VaEdgar Tekere ruremekedzo rwegamba renyika.

Nguva zhinji Zanu PF inoshoropodzwa nemashariro ainoita vakarwa hondo yerusununguko kuve magamba, ichipomerwa mhosva yekusiya vamwe vanenge vachitarisirwa kudomwa semagamba.

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinogara richinyunyutawo nenzira inosharwa nayo magamba enyika sezvo richiti rinofanirwawo kuve nechekuita mukusarudzwa kwemagamba.

Rwendo rwuno bato iri rinoti rinowirirana nezvaitwa neZanu PF pakudoma VaTekere segamba renyika, sezvo pasina anopokana nemabasa akaitwa nemufi.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo vawirirana neZanu PF panyaya yaVaTekere, bato ravo richiri kuda kuti magamba enyika adomwe nemapato ose ari muhrumende yemubatanidzwa.

Mukokeri weZanu PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti bato ravo ndiro chete richaramba richishara magamba sezvo pasina rimwe bato rine nhoroondo yemagamba kunze kweZanu PF.

XS
SM
MD
LG