Accessibility links

Breaking News

MDC-T neZANU PF Dzonakurirana Nyoka Mhenyu paNyaya yeMhirizhonga


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti ichakwidza kuSADC nyaya yekurambidzwa kwairi kuitwa nemapurisa kuita misangano yayo munzvimbo dzakasiyana siyana munyika.

Izvi zvinotevera kutadziswa kwakaitwa VaTsvangirai kusangana nevatsigiri vebato ravo kuLupane neVictoria Falls mudunhu reMatebeleland North mukupera kwesvondo.

Mapurisa ane zvombo anonzi akadzinga vanhu valanga vaungana pamisangano iyi. Zvinonziwo dzimwe nhengo dzeMDC-T makumi maviri nesere dzakasungwa ku Lupane.

MDC-T inoti mapurisa aya akatorawo nyama nechikafu kuVictoria Falls chainga chagadzirirwa vanhu vange vauya kumusangano uyu.

Ukuwo muHarare, sachigaro wegungano revanhukadzi muMDC-T, Amai Theresa Makone, vanova zvakare rimwe remakurukota emukati menyika - vakatadziswa kuita musangano wavo mushure mekunge vatsigiri veZANU PF vakonzeresa mhirizhonga yakasiya vanhu vashanu vaendeswa kuchipatara. Imwe nhengo yebato iri haisi kuzivikanwa kuti iripi.

Asi ZANU PF inoti vatsigiri vayo ndivo vakatorohwa neMDC muHarare.

Mutauriri weZANU PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo harisi iro riri kukonzera mhirizhonga.

Asi vanoona nezvekurongwa kwemisangano muMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo riri kuendesa nyaya iyi kuSADC inova ndiyo yakatsigira kuti hurumende yemubatanidzwa iumbwe.

VaChamisa vanoti zvinhu zvinozivikanwa kuti ZANU PF inoshandisa mapurisa mukupindira munyaya dzematongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG