Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoita Sarudzo dzeMatunhu Paine Mhirizhonga


Kukakavadzana mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuManicaland kwaita kuti bato iri ritadze kuita sarudzo dzemapazi evanhukadzi nevechidiki, rikangokwanisa kusarudza chete hutungamiri hwedunhu iri, kana kuti main wing.


Pasarudzo idzi mumiriri weMutare Central mudare reparamende, VaInnocent Gonese, pamwe nevaimbove sachigaro weManicaland uye vari seneta, VaPatrick Chitaka, vakatandaniswa nevamwe vaipokana navo pamafambisirwo esarudzo.


Nepamusana pekukakavadzana nguva ichipera, mapurisa anonzi akatozomanikidza vakuru vebato iri kuti vabve panzvimbo paiitirwa sarudzo idzi achiti nguva yavainge vapihwa yainge yakwana.


Sarudzo idzi dzakakundikana kuitwa nemusi weMugovera sezvange zvakatarisirwa, sezvo paive nemakatanwa pakati pevatsigiri vebato iri izvo zvakapa kuti sarudzo idzi dziitwe neSvondo.


Kunyange hazvo dzakazoitwa neSvondo, vamwe vatsigiri vebato iri vakasara vachinyunyuta nemafanbisirwo adzakaitwa.


Vakasarudzwa kuva sachigaro weManicaland ndiVaJulius Magarangoma, avo vakakunda VaDavid Chimhini. Mutevedzeri waVaMagarangoma ndiVaShuah Mudiwa.


Vaimbova meya weMutare, VaMisheck Kagurabadza, ndivo vakasarudzwa kuva munyori uye mutevedzeri wavo, ndiAmai Juliet Matope. Mubati wehomwe ndiVaBrian Leslie James.


Zvimwe zvigaro zvakashaya vaikwikwidza izvo zvakapa kuti vatungamiriri vaivepo vadzorerwe pazvigaro izvi, izvo zvinosanganisira chemutauriri webato iri kuManicaland, icho chicharamba chiri kuna VaPishai Muchauraya, uye chemutevedzeri wemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa chakatorwa naVaBhera Manase uye chemukuru anoona nezvesarudzo chakatorwa naVaMathius Matewu Mlambo.

VaProsper Mutseyami vakakunda VaTangwara Matimba pachigaro chemunyori anofambisa mabasa mubato iri. Sarudzo idzi dzaikokerwa nasachigaro webato iri, VaLovemore Moyo.


Vakakundwa musarudzo idzi havana kuda kutaura zvakawanda kunze kwekungoti chete vanotarisira kushanda nevakavakunda.


Amai Lucia Chakanetsa mumwe wevasiri kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo idzi.

Zviri kuitika mumakongiresi ematunhu eMDC-T zvinoratidza kuti bato iri richine rwendo rwurefu mukugadzirisa nyaya dzemhirizhonga mubato iri. Mhirizhonga inonzi yakaitika muBulawayo izvo zvakasiya hutungamiri hwapatsanuka mudunhu iri.

Kongiresi yekuSouth Africa inonzi yakaitawo mutauro usina kunaka, izvo zvakapa kuti vamwe vatsigiri vepesane vachishandisa rusarura rwemarudzi.

MDC iri kuronga kongiresi yayo huru kupera kwemwedzi uno muBulawayo, apo ichasarudza hutungamiri hwebato iri.

Vakawanda vanoti zvinhu hazvisi kufambiswa zvakanaka mubato iri, vanhu vachityisidzirana sezvinoitika mu Zanu PF, izvo zvava kupa kuti pashaye mutsauko pakati peZanu-PF ne MDC.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC– T, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti mubato ravo mune vanhu vari kuda kuvhiringa gwara remusangano, izvi zviri kupa kuti muve nemutauro.

Nyanzi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Rejoice Ngwenya, vanoti MDC inogara yakapomera Zanu PF nyaya yekuita zvemhirizhonga, nokudaro inofanirwa kuva bato risingakurudzire mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG