Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu-PF Zvotatsurana neNyaya yeMapurisa


Paita ropa rakaipa zvakare pakati pebato reMDC nemapurisa sezvo vana mugara dzakasungwa vanonzi vatangazve kurambidza bato iri kuita misangano kubva zvanzi nevatungamiri vemapato ari muhurumende panogona kuitwa sarudzo gore rinouya.

Vachitaura nevatsigiri vavo kuHighfields nekuGlen View neChitatu, mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakati vamwe vakuru vemauto, mapurisa nemaCIO vave kushandiswa neZanu-PF mukushungurudza MDC.

Mapurisa anonziwo akarega vanhu veZanu-PF vachivhiringidza misangano yeCOPAC muHarare pakazoguma pafa mumwe mutsigiri weMDC.

Mukuru wechimwe chikwata chevakarwa hondo yerusununguko, VaJabulani Sibanda, vanonzi vari kuonesa ndondo vatsigiri veMDC kuMasvingo, mapurisa pasina chaari kuita. Asi veZanu-PF vanoti MDC iri kuda kungosvibisa zita rayo chete nekuti hainei nezviri kuitwa nemapurisa.

Bato iri rinotiwo bazi rezvekudzivirirwa kwemukati menyika rinotungamirwa neZanu-PF neMDC, nokudaro hapana bato rinofanira kushora rimwe.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti Zanu-PF iri kuzorwa mafuta enguruve ayisina kudya. Asi vanokokera MDC mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanotiwo mapurisa ari kurerekera divi rimwe.

XS
SM
MD
LG