Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti SADC Ngaisaite Dambe neNyaya yeZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava pagakava riri muhurumende, VaJacob Zuma, vanoti mapato ari muhurumende yemubatanidzwa anofanira kutevedzera zvose zvakabvumiranwa pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, pamwe nekutevedzera zvakabuda mumusangano weSADC Troika wakaitirwa kuMaputo, Mozambique gore rapera, kuitira kuti Zimbabwe igoita sarudzo dzakachena.

Izvi zvabuda mugwaro rakasvitswa naVaZuma kuSADC Troika pamusangano weSADC summit wakapera muWindhoek, kuNamibia neChipiri. Izvi zvatsinhirwawo nemunyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, pamusangano wavaita nevatori venhau neChipiri.

VaBiti vati SADC yakaudza hurumende kuti igadzirise zviri kunetsa mukati memwedzi mumwe chete, kwete kuti vatungamiri vemapato ari muhurumende varambe vachinetsana nezvinhu zvinogadzirisika.

Va Biti vanoti nyaya dzasara dzichiri kunetsa muhurumende inyaya dzokusagadzwa kwaVa Roy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, kugadzwa zvisiri pamutemo kwakaitwa gavhuna webhanga guru renyika, Va Gideon Gono, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, Va Johannes Tomana, nedzimwe dzakadaro.

Va Biti vakurudzira sachigaro mutsva we SADC uye vari mutungamiri we Namibia, Va Hifikipunye Pohamba, kuti vaone kuti zvisungo zvakabuda pamusangano we SADC ku Namibia zvatevedzerwa zvakazara.

Vamwe vakuru muZanu-PF vanoti vari kufara nenyaya yekuti SADC yakatiwo zvirango zvibviswe uye kuti dare reSADC Tribunal rimbozeyiwa mafambiro aro mukati memwedzi mitanhatu. Dare iri range rati Zimbabwe yakaresva pakutora minda kwayakaita kubva kuvachena. Izvi zviri muzvisungo zveSADC.

Vanotungamira Zanu-PF munhaurirano, VaPatrick Chinamasa, vanoti vari kufara nekumboongororwa kwedare iri. Nekowo veMDC vari kuti zvavaida panyaya yesarudzo, uye pakugadziriswa kwemisariridzwa yeGPA, zvakatambirwa neSADC, nekudaro vari kufara.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kutaura nevamiriri vedzimwe nyika uye vemasangano akazvimirira oga neChina nezvemusangano weSADCc. VaJoy Mabenge, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vanoti kupedza dambudziko reZimbabwe kuti paitwe sarudzo dzakachena chete.

XS
SM
MD
LG