Accessibility links

Breaking News

MDC-N Inoti VaMutambara Vachambomirira Bato Ravo muHurumende


Musangano mukuru weCongress webato reMDC yaitungamirwa naVaArthur Mutamabara, iyo yava kutungamirwa naVaWelshman Ncube, wakapera neSvondo muHarare mushure mekusarudzwa kwehutungamiri hutsva.

Bato iri rakabuda nezvisungo zvinosanganisira zvekuti sarudzo hadzifanirwi kuitwa pasati pazadziswa zvose zvakawiriranwa muchibvumirano chakuumba hurumende yemubatanidzwa, cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA, uye pasati pave nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Hutungamiri hwebato iri hwakawiriranwo kuti VaMutambara, avo vakasiya chigaro chemutungamiri wenyika mushure mekusarudzwa kwaVaNcube, varambe vari pachigaro chemuhurumende semutevedzeri wemutungamiri wehurumende kusvika bato razofungawo kuvabvisa. Hapana kutarwa kuti izvi zvachaitwa riini.

Mutevedzeri webato iri mutsva ndiVaEdwin Mushoriwa. Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga ndivo vave munyori mukuru webato.

Mubati wehomwe mutsva ndiVaPaul Themba Nyathi.

Mutauriri mutsva webato iri, ndiVaNhlanhla Bahlangane Dube.

Kunyange hazvo hutungamiri hutsva huri kuti musangano wavo wakafamba zvakawanda, vaive sachigaro vebato iri, VaJoubert Madzumwe, pamwe nevaive sachigaro vezvevanhukadzi, Amai Hilda Sibanda, vanoti VaNcube havana kuronga zvakanaka musangano uyu.

Vaive sachigaro vezvechidiki, Va Costa Chipadza, vakabuda mumusangano weChishanu waironga musangano mukuru webato iri vachiti VaNcube nevamwe vavo vakatyora mitemo yebato nebatairo avakaita musangano uyu.

Vanhu vazhinji vanoti VaNcube vakabvisa vanhu vakawanda mumatunhu vachivatsiva nevanhu vanovatsigira.

Asi Amai Misihairambwi Mushonga vanoti zvose zvakaitwa naVaNcube zviri mugwara remusangano wavo.

XS
SM
MD
LG