Accessibility links

Breaking News

VaMakanyaire Votatsurana naVaMagunje kuMashonaland West


MDC supporters at a rally in Chinhoyi.

Nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reMashonaland West dziri kukandirana nyoka mhenyu pamusoro pemhirizhonga iri kuitika mudunhu iri.

Sachigaro wedunhu reMashonaland West, VaRalph Magunje, vanoti mhirizhonga yakaitika kwaZvimba yakakonzerwa nemurongi wemisangano, VaWilson Makanyaire, avo vanoti vakaenda kwaZvimba kunoita basa risiri ravo.

Izvi zvatsigirwa nenhengo yekomiti yeZvimba South, VaStephen Bumhira, avo vanoti VaMakanyaire vakaenda kunogadzira komiti basa rainge risiri ravo.

Asi VaMakanyaire varamba mashoko aya vachiti dzimwe nhengo dzebato ravo dziri kuda kusvibisa zita ravo sezvo ivo vakatoita zvekushevedzwa kuti vazodzimura kurwisana kwainge kwatanga.

VaMakanyaire vanoti hazvaigona kuti vaite mhirizhonga kwaZvimba sezvo sarudzo dzive dzenhengo dzepasi.

VaMakanyaire vanoti ivo vanofanirwa kupomerwa mhosva ichaitika kubva nhasi sezvo vanenge vave kutsvaka rutsigiro musarudzo dzedunhu guru repurovhinzi.

Asi VaMagunje vanoti zviri kutaura VaMakanyaire ndezvekuda kukonzeresa mhirizhonga iyo isingadiwe mubato ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika muChinhoyi, VaJohn Marava, vanoti zviri kuitika mubato reMDC kuMashonaland West zvinhu zvinoitika mumapato ose ezvematongerwo enyika asi zvinozoipa chete kana pakaramba pave nemapoka kana sarudzo dzacho dzapera.

MDC yaita sarudzo dzematunhu madiki mumatunhu ose apo panga pachidomwa vachakwikwidza mupurovhinzi svondo rinouya.

VaMagunje naVaMakanyaire ndivo vadomwa kuti vakwikwidzane pachinzvimbo chasachigaro wedunhu.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti VaMagunje naVaMakanyaire vari muchikwata chiri kutsigira VaChamisa.

Chikwata ichi chakabuda nechisungo chekuti VaGift Konjana, avo vanofungidzirwa kuti vanotsigira munyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora, vasakwikwidze vachivapomera mhosva yekusatevedzera gwara remusangano.

VaKonjana varamba kutaura nezvenyaya iyi.

Vamwe vanoti kusawirirana kuri kuitika mubato iri mucherechedzo wezvichaitika kukongiresi yebato iyo ichaitwa muna Chikumi.

Mune imwewo nyaya dare reElectoral Court rakatura mutongo wekuti nhengo yeMDC, VaSairos Good, ndivo vakakunda musarudzo yemuwadhi 1 muChinhoyi.

VaTapera Mutovido veZanu PF vainge vakwidza nyaya yekukundwa kwavo kumatare vachiti sarudzo dzainge dzisina kufambiswa zvakanaka

VaGood vanoti vanofara zvikuru sezvo vave kuzokwanisa kuita misangano nevanhu vemuwadhi mavo.

VaMutovido vakakundwa nemavhoti maviri chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG